Mako 16:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.

2. Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,

3. uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”

Mako 16