Mako 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

2. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi:“Ndichatuma nhume yangu mberi kwako,uyo achagadzira nzira yako,”

3. “inzwi rounodana murenje, richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”

4. Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.

Mako 1