4. uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
5. Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokoro, Nikano, Timoni, Paminasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.
6. Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.
7. Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.
8. Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.