Mabasa Avapostori 20:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.

21. Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari nokutendeuka vagotenda kuna Ishe Jesu.

22. “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri.

23. Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira.

Mabasa Avapostori 20