Mabasa Avapostori 18:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Akati aburuka paKesarea, akakwira akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.

23. Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.

24. Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.

Mabasa Avapostori 18