Mabasa Avapostori 16:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje utungidzwe, akapinda achimhanya akawira pamberi paPauro naSirasi achidedera.

30. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”

31. Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

32. Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.

33. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.

Mabasa Avapostori 16