Mabasa Avapostori 14:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji navaHedheni vakatenda.

2. Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yavaHedheni uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama.

3. Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.

4. Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori.

Mabasa Avapostori 14