Mabasa Avapostori 13:34-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti:“ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene,uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’

35. Nokudaro zvinotaurwa pamwewo kuti:“ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’

36. “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.

37. Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.

Mabasa Avapostori 13