Mabasa Avapostori 12:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Pazuva rakanga ratarwa, Herodhi akapfeka nguo dzake dzoushe, akagara pachigaro chake choushe akataura kuvanhu.

22. Vakadanidzira vachiti, “Iri inzwi ramwari, kwete romunhu.”

23. Pakarepo, nokuti Herodhi haana kurumbidza Mwari, mutumwa waShe akamurova, iye akadyiwa nehonye uye akafa.

24. Asi shoko raMwari rakaramba richikura uye richipararira.

25. Bhanabhasi naSauro vakati vapedza basa ravo, vakadzokera kuJerusarema, vakatorawo Johani, ainzi Mako.

Mabasa Avapostori 12