Mabasa Avapostori 12:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza.

2. Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo.

3. Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso.

Mabasa Avapostori 12