Mabasa Avapostori 11:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vahedheni vakanga vagamuchirawo shoko raMwari.

2. Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza

3. vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.”

4. Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti,

Mabasa Avapostori 11