Mabasa Avapostori 1:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Saka vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?”

7. Akati kwavari, “Hazvizi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo.

8. Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, uye kusvikira kumigumo yenyika.”

9. Shure kwokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.

Mabasa Avapostori 1