Joshua 4:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’

23. Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka.

24. Akaita izvi kuitira kuti ndudzi dzose dzapanyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha rune simba uye kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.”

Joshua 4