12. Varume vokwaRubheni nevokwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakayambuka, vakashonga nhumbi dzokurwa, pamberi pavaIsraeri, sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMozisi.
13. Vanenge zviuru makumi mana vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakayambukira mhiri pamberi paJehovha vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
14. Pazuva iroro Jehovha akasimudzira Joshua pamberi pavaIsraeri vose; vakamuremekedza mazuva oupenyu hwake ose sokuremekedza kwavaiita Mozisi.
15. Zvino Jehovha akati kuna Joshua,
16. “Rayira vaprista vakatakura areka yeChipupuriro kuti vabude kubva muJorodhani.”
17. Saka Joshua akarayira vaprista achiti, “Budai muJorodhani.”
18. Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose.
19. Pazuva regumi romwedzi wokutanga vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko.
20. Zvino Joshua akamisa matombo gumi namaviri paGirigari avakanga vatora kubva muJorodhani.