1. Rudzi rwose parwakapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akati kuna Joshua,
2. “Sarudza varume gumi navaviri kubva pakati pavanhu, mumwe chete parudzi rumwe norumwe,
3. Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.”
4. Saka Joshua akadaidza varume gumi navaviri vaakanga asarudza kubva kuvaIsraeri, mumwe chete kubva parudzi rumwe norumwe,
5. Akati kwavari, “Endai pamberi peareka yaJehovha mupinde pakati peJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutakura dombo pafudzi pake zvichienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri,