1. Rudzi rwose parwakapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akati kuna Joshua,
2. “Sarudza varume gumi navaviri kubva pakati pavanhu, mumwe chete parudzi rumwe norumwe,
3. Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.”