Joshua 19:23-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, imba neimba.

24. Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, imba neimba.

25. Nyika yavo yaisanganisira:Herikati, Hari, Bheteni, Akisafi,

26. Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati.

27. Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuurira nokuKabhuri nechokuruboshwe.

28. Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru.

29. Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi,

30. Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pana maguta makumi maviri nemisha yawo.

31. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, imba neimba.

32. Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, imba neimba:

33. Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani.

34. Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva.

35. Maguta akanga akakombwa namasvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti,

36. Adhama, Rama, Hazori,

Joshua 19