Joshua 15:46-61 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. uye nokumavirira kweKironi namaguta ose akanga ari pedyo neAshidhodhi pamwe chete nemisha yawo;

47. Ashidhodhi nemisha yaro yakaripoteredza neGaza nemisha yaro kusvikira kurukova rweIjipiti namahombekombe eGungwa Guru.

48. Munyika yamakomo maiva ne:Shamiri, Jatiri, Soko,

49. Dhana, Kiriati Sana (iro Dhebhiri),

50. Anabhi, Ashitemo, Animi,

51. Gosheni, Horoni, neGiro anova maguta gumi nerimwe pamwe chete nemisha yawo.

52. Arabha, Dhuma, Eshani,

53. Janimi, Bheti Tapua, Afeka.

54. Humuta, Kiriati Abha, (iro Hebhuroni) neZiori ndiwo maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.

55. Maoni, Kameri, Zifi, Juta,

56. Jezirieri, Jokidheami, Zanoa,

57. Kaini, Gibhea, neTimuna, ndiwo maguta gumi nemisha yawo.

58. Hariuri, Bheti Zuri, Gedhori,

59. Maarati, Bheti Anoti, neEritekoni ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.

60. Kiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi) neRabha ndiwo maguta maviri nemisha yawo.

61. Murenje maiva ne:Bheti Arabha, Midhini, Sekaka,

Joshua 15