5. Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
6. Pakare ipapo pakanga pana makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
7. Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
8. Ipapo akavaudza akati, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.”Vakaita saizvozvo.
9. Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi