Johani 15:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana.

12. Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Dananai sezvo ini ndakakudai.

13. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.

14. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai.

Johani 15