4. Dzakafanana namabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.
5. Nomutinhiro sowengoro dzinokwakuka napamusoro pamakomo dzichidya mashanga somoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.
6. Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.
7. Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.
8. Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
9. Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.
10. Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima.
11. Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro?
12. Jehovha anoti, “Tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya nokuchema nokuungudza.”