Jobho 9:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.

9. Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni nedzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.

10. Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

11. Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.

12. Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’

13. Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake.

14. “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?

15. Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.

Jobho 9