24. Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko?
25. “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka asina kumboona mufaro.
26. Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.
27. Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, nokunyemwerera kwangu,’