1. Ipapo Jobho akapindura akati:
2. “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero!
3. Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa, hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka.
4. Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri, mweya wangu unonwa muchetura wayo; kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni.
5. Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here? Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here?
6. Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Ko, chichena chezai chinonaka here?
7. Ndinoramba kuzvibata; zvokudya zvakadai zvinondirwarisa.
8. “Haiwa, dai ndapiwa hangu zvandinokumbira kuti Mwari andipe zvandinotarisira,
9. kuti dai Mwari aida hake kundipwanya, kuti aregere ruoko rwake rundiuraye!
10. Ipapo ndaizova hangu nokunyaradzwa uku, mufaro wangu mukurwadziwa kusingagumi, kuti handina kunge ndamboramba mashoko aiye Mutsvene.
11. “Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro? Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire?
12. Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here?
13. Ko, ndine simba ripi zvaro kuti ndizvibatsire, sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri?