Jobho 5:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.

9. Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

10. Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.

11. Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kurugare.

12. Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.

Jobho 5