Jobho 5:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.

8. “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.

9. Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

10. Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.

11. Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kurugare.

12. Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.

13. Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.

14. Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.

15. Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.

16. Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.

17. “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.

Jobho 5