6. Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.
7. Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
8. “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
9. Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
10. Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.
11. Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kurugare.
12. Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.