14. Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
15. Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
16. Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.
17. “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
18. Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
19. Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
20. Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
21. Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.