Jobho 5:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.

15. Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.

16. Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.

17. “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.

18. Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.

19. Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.

20. Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.

21. Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.

Jobho 5