Jobho 5:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.

14. Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.

15. Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.

16. Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.

17. “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.

18. Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.

Jobho 5