Jobho 41:27-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Simbi inoita samashanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora.

28. Miseve haingaiti kuti itize zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.

29. Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi; inoseka panorira bakatwa.

30. Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari, inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.

31. Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira, uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.

Jobho 41