Jobho 41:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo, iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?

15. Musana wayo une mitsara yamakwande yakanyatsonamirwa pamwe chete;

16. rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe, zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.

17. Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.

18. Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.

19. Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.

20. Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto weshanga.

21. Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.

22. Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo.

23. Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba; dzakasimba uye hadzizungunuswi.

24. Chipfuwa chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo.

Jobho 41