Jobho 40:5-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.”

6. Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:

7. “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.

8. ‘Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?

9. Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here?

10. Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.

11. Bvisa ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,

12. tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire.

13. Uvavige vose pamwe chete muguruva; usunge zviso zvavo muguva.

Jobho 40