1. Jehovha akati kuna Jobho:
2. “Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”
3. Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:
4. “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.
5. Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.”
6. Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:
7. “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
8. ‘Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?
9. Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here?