Jobho 4:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?

8. Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.

9. Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake.

10. Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka.

11. Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira.

Jobho 4