7. “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?
8. Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.
9. Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake.
10. Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka.
11. Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira.