1. Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti:
2. “Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura?
3. Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba.
4. Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta.