1. “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?
2. Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?
3. Dzinotsivama pasi dzogobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.
4. Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.
5. “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?
6. Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo.
7. Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi.
8. Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zviri zvinyoro.
9. “Ko, nyati ingatenda kukushandira here? Ko, ichagara mudanga rako usiku here?