Jobho 39:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?

2. Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?

3. Dzinotsivama pasi dzogobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.

4. Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.

5. “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?

Jobho 39