26. kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,
27. kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
28. Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vamadonhwe edova?
29. Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,
30. panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?
31. “Ungagona kusunga nyeredzi dzechimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?
32. Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?
33. Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?
34. “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, nokuzvifukidza namafashamu emvura?
35. Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?
36. Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?
37. Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,
38. kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?