Jobho 38:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.

15. Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.

16. “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?

17. Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?

18. Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.

Jobho 38