Jobho 38:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,

13. kuti abate magumo enyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?

14. Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.

15. Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.

16. “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?

Jobho 38