Jobho 38:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?

12. “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,

13. kuti abate magumo enyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?

14. Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.

15. Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.

16. “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?

17. Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?

18. Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.

19. “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?

20. Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?

21. Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakangova waberekwa? Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.

Jobho 38