Jobho 37:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, iye anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.

8. Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo.

9. Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.

10. Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando.

11. Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore.

12. Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira.

Jobho 37