Jobho 37:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake?

16. Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?

17. Iyemi munopiswa nenguo dzenyu panonyaradza nyika nemhepo yezasi,

18. ko, mungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.

19. “Tiudzei zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.

Jobho 37