29. Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mumba make?
30. Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.
31. Ndiyo nzira yaanotanga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
32. Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.