Jobho 34:11-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.

12. Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.

13. Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?

14. Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,

15. marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.

16. “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.

17. Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?

18. Ko, haazi iye oga anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’

19. asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake.

20. Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.

21. “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.

22. Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri worufu, pangavanda vaiti vezvakaipa.

23. Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.

24. Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.

Jobho 34