Jobho 34:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Erihu akati:

2. “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.

3. Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.

4. Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.

5. “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.

6. Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, miseve yake inobaya ronda risingarapiki.’

Jobho 34