Jobho 34:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Erihu akati:

2. “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.

3. Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.

4. Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.

5. “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.

6. Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, miseve yake inobaya ronda risingarapiki.’

7. Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?

8. Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.

9. Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’

10. “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.

11. Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.

12. Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.

Jobho 34