Jobho 33:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu,

30. kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.

31. “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura.

32. Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.

33. Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”

Jobho 33