Jobho 33:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.

21. Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.

22. Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu.

23. “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva pakati muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,

24. kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’

Jobho 33