16. angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji,
17. kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza,
18. kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19. Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake,
20. saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.
21. Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.
22. Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu.
23. “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva pakati muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,
24. kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’
25. ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.
26. Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari.
27. Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera.
28. Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’
29. “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu,
30. kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.
31. “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura.